حَبِيبَنَا الْمُصْطَفَى
Wadiwa Wedu, Musarudzwa
Sn
حَبِيبَنَا الْمُصْطَفَى صَلُّوا عَلَى نَبِيِّنَا
وَجْهُهُ مِثْلُ قَمَرٍا وَسِرَاجًا مُنِيرا
Mudikani wedu Musarudzwa, rumbidzai muporofita wedu;
Chiso chake chakaita semwedzi nerambi rinopenya zvikuru
يَا مَنْ بُعِثْتَ لَنَا فِي الْوُجُودِ سَبِيلًا
يَا شِفَاءَ رُوحِي يَا مُحَمَّدُ وَقَلْبِي الْعَلِيلَ
Haiwa imi makatumwa kwatiri senzira muhupenyu huno,
Haiwa murapi wemweya wangu nemoyo wangu unorwara, Muhammad
فَاضَ الْقَلْبُ شَوْقًا وَحُبًّا لَكَ يَا رَسُولًا
يَا رَحْمَةً مِنْ عِنْدِ اللهِ لِكُلِّ الْعَالَمِينَ
Moyo wangu unofashukira nekusuwa nerudo kwamuri, Mutumwa,
Haiwa tsitsi dzinobva kuna Allah kune zvisikwa zvose zvenyika.
أَحْسَنُ مِنْكَ لَمْ نَرَ فِي الْكَوْنِ مَثِيلًا
فَضَّلَكَ اللهُ عَنْ كُلِّ خَلْقِهِ أَعْظَمَ تَفْضِيلًا
Hatina kumboona akanaka kupfuura imi muzvisikwa zvose;
Allah vakakukudzai kupfuura zvisikwa zvose neropafadzo huru kwazvo
أَكْحَلَ الْعَيْنَيْنِ كُلُّ الْكَوْنِ رَآكَ انْحَنَى
مَشَيْتُ عَلَى هَدْيِ الْأَحْمَدِ وَأَنَا أُحِبُّ مُحَمَّدًا
Imi muna maziso akashongedzwa nerido, zvisikwa zvose zvakakotama pazvakuonai
Ndakafamba negwara raAhmad, uye ndinomuda Muhammad
كَامِلِ الْأَوْصَافِ طه وَشَمْسٌ فِي ضُحَاهَا
سَالَتْ دُمُوعُ الْعَيْنِ اللهَ فِي مَدْحِ رَسُولِ اللهِ مُحَمَّدْ
Taha akakwana pahunhu hwake, izuva mumujekere wemambakwedza
Misodzi yeziso yakayerera kuna Allah pakurumbidza Mutumwa waAllah, Muhammad