Sn
I envy the sand that met his feet
Ndine godo nejecha rakatsika tsoka dzake
I’m jealous of honey he tasted sweet
Ndine shanje nouchi hwaakananzva mukanwa
Of birds that hovered above his head
Neshiri dzaimupururudzira pamusoro pake
Of spiders who spun their sacred web
Nemadzandambira akaruka mumbure mutsvene
To save him from his enemies
Kuti amuponese kubva kuvavengi vake
I envy clouds formed from the seas
Ndine godo nemakore akabva mumakungwa
That gave him cover from the heat
Akamupa dziviriro kubva pakupisa kwezuva
Of a sun whose light could not compete
Kwezuva iro chiedza charo chakanga chisina simba
With his, whose face did shine so bright
Naye uyo ane chiso chaipenya zvakadaro
That all was clear in blinding night
Zvokuti zvose zvaioneka murima gobvu
I envy sightless trees that gazed
Ndine godo nemiti isina maziso yakamutarisa
Upon his form completely dazed
Pachimiro chake chakaita kuti ishamiswe
Not knowing if the sun had risen
Vasingazive kana zuva rakange rabuda
But felt themselves in unison
Asi vakanzwa kubatana kukuru mumweya
With those who prayed, and fasted too
Navaya vainamata uye vachitsanyawo
Simply because he told them to
Nokuda kwokuti iye akavaudza kudaro
With truth and kindness, charity
Nechokwadi nemutsa nerunako rwemwoyo
From God who gave such clarity
Kubva kuna Mwari akapa kujeka kwakadaro
His mercy comes in one He sent
Ngoni dzake dzinouya muna uyo waakatuma
To mold our hearts more heaven bent
Kuti agadzirise mwoyo yedu kutarisa denga
I envy all there at his side
Ndine godo navose vaiva parutivi pake
Who watched the turning of the tide
Vakaona kupinduka nekushanduka kwenguva
As truth prevailed and falsehood fled
Chokwadi zvachakunda nhema dzakatiza
And hope restored life to the dead
Uye tariro yakadzosa upenyu kune vakafa
Men and Women through him found grace
Varume nevakadzi vakaona nyasha maari
To seek together God’s noble face
Kuti vatsvage vose chiso chaMwari chitsvene
I envy the cup that gave him drink
Ndine godo nemukombe wakamunwisa mvura
His thoughts that helped us all to think
Nendangariro dzake dzakatibatsira kufunga
To be one thought that passed his mind
Kuve fungwa imwe yakapfuura mupfungwa dzake
Inspiring him to act so kind
Iyo yakamukurudzira kuita nounyoro
For me this world is not one jot
Kwandiri nyika ino haina kana kukosha
If I could simply be a thought
Dai ndaikwanisa kungova fungwa imwe chete
From him to God throughout the ages
Kubva kwaari kuenda kuna Mwari nekusingaperi
As revelation came in stages
Sezvo zvakazarurwa zvakauya zvishoma nezvishoma
I pity all who think it odd
Ndine urombo navose vanozviona sechishamiso
To hear him say there is one God
Kunzwa iye achiti kuna Mwari mumwe chete
Or he was sent by God to men
Kuti iye akatumwa naMwari kuvanhu vose
To hone their spirits’ acumen
Kurodza unyanzvi hwemweya yavo yose
It’s pride that blinds us from the sight
Kuzvitutumadza ndiko kunotipofumadza maziso
That helps good men to see his light
Kunobatsira vanhu vakanaka kuona chiedza chake
He taught us all to be God’s slaves
Akatidzidzisa tese kuve varanda vaMwari
And he will be the one who saves
Uye ndiye achave murevereri anoponesa
Humanity from sinful pride
Kuponesa vanhu kubva mukuzvida kwechivi
Muhammad has God on his side
Muhammad ane Mwari parutivi pake nguva dzose
So on this day be blessed and sing
Saka nezuva rino farai chose uye imbai
For he was born to grace our Spring
Nekuti akaberekwa kushongedza chirimo chedu
With lilies, flowers, life’s rebirth
Nemaruva akasiyana ekumuka kweupenyu
In a dome of green like his on earth
Mudenga regirini rakaita serake pasi pano